Psalms 2

1Ndudzi dzinoitireiko bope?
Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
2Madzimambo enyika azvigadzirira
uye vabati vanoungana pamwe chete
kuti vazorwa naJehovha,
uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.
3Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo,
tigorasa mabote avo.”

4Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka;
Ishe anovadadira.
5Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake
uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
6“Ndakagadza Mambo wangu
paZioni, gomo rangu dzvene.”
7Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti:

Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu;
nhasi ndava Baba vako.
8Kumbira kwandiri,
uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako,
migumo yenyika ive yako.
9Uchavatonga netsvimbo yesimbi;
uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

10Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai;
munyeverwe, imi vabati venyika.
11Shumirai Jehovha nokutya,
uye mufare nokudedera.
12Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa
mukazoparadzwa munzira yenyu,
nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.
Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.
Copyright information for SnaBDSC